Nehemiah 4:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikati kuʋakuru nokuʋaɓati nokunaʋamŋe ʋanhu: Muɓato mukuru wakapararira, isu takataraŋgana pamsoro poruȿiŋgo, mumŋe ari kure nomumŋe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakati kuvakuru, navabati noruzhinji rwavanhu, “Basa iguru iri uye rapararira, uye isu tanyanya kuparadzana mumwe kubva kuno mumwe takatevedza rusvingo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakataurira vokuimbahuru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Basa iguru iri uye takatarangana kwazvo tiri kure nakure parusvingo pacho apa takati uyu uko uyu uko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: “Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe;
Shona 2009?
Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: "Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe;
Shona SUB 2002 Bible
Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: “Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe;