Nehemiah 4:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati: ƲaJuda aʋa ʋasinesimba ʋanoɓateiko? Ʋacaɀisimbisa panhare here? Ʋacaɓayira here? Ʋacapedza nezuʋa rimŋe here? Ʋacararamisa mabge pamaturunhuru, ɀaatȿa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo vasina simba vari kuiteiko? Ko, vachavakazve rusvingo rwavo here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Ko, vangadzorera upenyu pamatombo ayo akaunganidzwa, akatsva sezvaakaita izvi here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akataura pameso pehama dzake nehondo yeSamaria achiti, “Ko tundonda twechiJudha twavakuiteiko izvozvi? Tungagadziredzewo chinhu here? Kutozopirawo nhai chaizvo chibayiro chaicho? Vanozvipedza nezuva rimwechete izvozvi? Vangagadziridze nhai mabwe akangoti pamwechete nemarara mirwi chu namamwe akatsva aya?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, “VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?”
Shona 2009?
Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, "VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?"
Shona SUB 2002 Bible
Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati, “VaJudha ava vasina simba vanobateiko? Vachazvisimbisa panhare here? Vachabayira here? Vachapedza nezuva rimwe here? Vachararamisa mabwe pamaturunhuru, zvaatsva here?”