Nehemiah 4:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo ndikati kuʋanhu: Mumŋe nomumŋe anomuranda wake ŋgaaʋate muJerusarema, kuti ʋatirinde ʋusiku, ʋaɓate masikati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyo ndakati kuvanhu, “Murume mumwe nomumwe nomubatsiri wake ngaagare mukati meJerusarema panguva dzousiku, kuitira kuti vatibatsire kushanda savarindi usiku uyezvo savashandi masikati.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo ndakataurirawo vanhu kuti, “Munhu ngaarare mukati meJerusaremu nomushandiwo wake kuitira kuti usiku huve hwokuchengetedza, masikati ave okushanda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo ndikati kuvanhu, “Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.”
Shona 2009?
Nenguva iyo ndikati kuvanhu, "Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati."
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo ndikati kuvanhu, “Mumwe nomumwe ano muranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.”