Nehemiah 5:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzoserai henyu kwaʋari ikonhasi minda yaʋo, neminda yaʋo yemizambiriŋga, neminda yaʋo yemiorivi, nedzimba dzaʋo, ʋuye nomugoʋe wezana wemari, neɀiyo, newaini, namafuta, wamakatora kwaʋari iri mhindu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzorerei minda yavo nokukurumidza, neminda yavo yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo uyewo nemhindu yamunoripisa, chikamu chimwe chete muzana chemari, zviyo, newaini itsva uye namafuta.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzoserei iye nhasi uno chaiye minda yavo nemindawo yavo yemigirepisi neminda yavo yemiorivhi nemisha yavo pamwechete nechikamu chechizana chemari nechembesanwa nechewaini namafuta eorivhi zvechimbadzo chamanga muchireva kwavari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemidzambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, wamakatora kwavari iri mhindu.”
Shona 2009?
"Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemizambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, zvamakatora kwavari iri mhindu."
Shona SUB 2002 Bible
“Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemizambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, wamakatora kwavari iri mhindu.”