Nehemiah 5:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakati: Ticaɀidzosa, hatiŋgareʋi cinhu kwaʋari; seɀamunotaura, ndiɀo ɀaticaita. Ɀino ndakaɗana ʋaprista, ndikaʋapikisa kuti ʋacaita iɀoɀo ɀakapikirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakati, “Tichavadzorera. Uye hatichazorevi chimwe chinhuzve kubva kwavari. Tichaita sezvamareva.” Ipapo ndakadana vaprista ndikaita kuti vakuru navabati vaite mhiko kuti vagoita sezvavakanga vavimbisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Tichadzosera izvozvo pasina nechatichareva kwavari. Zvamareva ndozvatichaita.” Ndakadaidza vapristi ndichiitisa vatungamiri ivavo mhiko yokuti vaizoita sezvavakanga vatsidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakati, “Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita.” Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.
Shona 2009?
Ipapo vakati, "Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita." Zvino ndakadana vaprista, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakati, “Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita.” Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.