Nehemiah 5:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikazuza ʋo ŋguʋo dzaŋgu, ndikati: Mŋari ŋgaazuze mumŋe nomumŋe usiŋgaiti iɀoɀo ɀakapikirwa abve paimba yake napaɓasa rake; ŋgaazuzwe nokuɗururwa saiɀoɀo. Ipapo ʋuŋgano yose yakati: Ameni! ʋakarumbidza Jehova. Ʋanhu ʋakaita iɀoɀo ɀakapikirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakazunzawo mikombero yenguo yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi kubva muimba yake nemidziyo yake, mumwe nomumwe asingachengeti vimbiso iyi. Naizvozvo, munhu akadai ngaazunzwe asara asina chinhu.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni,” uye vakarumbidza Jehovha. Uye vanhu vakaita sezvavakanga vavimbisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazunzawo hanzu yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi munhu wose anenge asina kuchengeta chitsidzo ichochi achimubvisa pamba pake nepane twake twose twaakashanda. Ngaazunzwe saizvozvo asare asisina nechinhu chose.” Dare rose rakati, “Ameni,” rikarumbidza Tenzi. Vanhu vakaita sezvavakanga vatsidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikazuzawo nguo dzangu, ndikati, “Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni!” Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
Shona 2009?
Ndikazuzawo nguvo dzangu, ndikati, "Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo." Ipapo ungano yose yakati, "Ameni!" Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikazunzawo nguo dzangu, ndikati, “Mwari ngaazunze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni!” Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.