Nehemiah 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, kubva paŋguʋa yandakaitwa muɓati waʋo panyika yaJuda, kubva pagore ramakumi maʋiri kuȿikira pagore ramakumi matatu namaʋiri ramambo Artashasta, iwo makore anegumi namaʋiri, ini nehama dzaŋgu hatina‐kudya ɀokudya ɀomuɓati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe ndechokuti kubvira panguva yandakasarudzwa kuva gavhuna wavo munyika yokwaJudha kubvira pagore rechimakumi amviri kusvikira pagore rechimakumi matatu nepiri rokutonga kwamambo Atakizesesi; kwamakore gumi namaviri iwayo ini nehama dzangu hatina kumbenge tichidya zvokudya zvainge zvichifanira kupiwa gavhuna.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.
Shona 2009?
Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Atakizesesi, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.