Nehemiah 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ɀe ʋakati: Isu takaita minda yeɗu ruɓatso, neminda yeɗu yemizambiriŋga, nedzimba dzeɗu; ŋgatipiwe ɀiyo, nokuɗa kwenzara ino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kukava nevamwewo vaiti, “Minda yedu nemisha yedu neminda yedu yemugirepisi tiri kutoiita rubatso kuti tiwanewo mbesanwa pamusana penzara iyoyi iyi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwezve vakati, “Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.”
Shona 2009?
Vamwezve vakati, "Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino."
Shona SUB 2002 Bible
Vamwezve vakati, “Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.”