Nehemiah 5:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaraŋgarira mumŋoyo maŋgu, ndikaita nharo naʋakuru naʋarairi, ndikati kwaʋari: Imi munoreʋa mhindu, mumŋe nomumŋe pahama yake. Ipapo ndikakoka ʋuŋgano huru pamsoro paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndakazvirangarira mupfungwa dzangu ipapo ndikatsiura vakuru navabati ndikati kwavari, “Imi muri kureva mhindu kuvanhu venyika yenyu!” Saka ndakavakoka kumusangano mukuru kuti ndivarayire
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazvibvunza mumwoyo zano rokuita, ndikatongesa vokumba huru namakurukota. Ndakati kwavari, “Muri kuita chimbadzo imi kuhama dzenyu, mose zvenyu iyemi.” Ndakavaunganidzira dare guru kwazvo ravanhu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndarangarira mumwoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, “Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake.” Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.
Shona 2009?
Zvino ndakarangarira mumoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, "Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake." Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndarangarira mumwoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, “Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake.” Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.