Nehemiah 5:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikati kwaʋari: Isu takadzikinura hama dzeɗu ʋaJuda dzakaŋga dzateŋgeswa kuʋahedeni patakagona napo; ɀino imi moɗa‐kuteŋgesa hama dzenyu, moɗa kuti dziteŋgeswe kwatiri here? Ipapo ʋakaramba ʋanyerere, ʋakashaiwa neshoko cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kuvahedheni. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndikavati, “Isu takaedzawo napatinogona kununura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune vechirudzi, asi imi ndopamava kutotengesa zvenyu hama dzenyu kuti isu titoita zvokuvatenga zvakare!” Vakati mwiro-o romuromo vakarishaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikati kwavari, “Isu takadzikinura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?” Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
Shona 2009?
Ndikati kwavari, "Isu takadzikunura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imwi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?" Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikati kwavari, “Isu takadzikinura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?” Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.