Nehemiah 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mŋanakomana waDeraya, mŋanakomana waMehetaberi, wakaŋga aɀipfigira, iye akati: Ŋgatisoŋgane mumba maMŋari, mukati metembere, tipfige mikoʋa yetembere; nokuti ʋacaʋuya kuzokuʋuraya; ʋacaʋuya ʋusiku kuzokuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rimwe zuva ndakenda kumba kwaShemaya mwanakomana wavaDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi uye tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pandakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya aberekwa naMehetabhieri akanga akapfigirwa akati, “Ngatisanganei mumba yaMwari mukati chaimo meTemberi tizarire magonhi eTemberi nokuti vari kuuya kuzokuuraya vari kuuya usiku kuzokuuraya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, “Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.”
Shona 2009?
Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, "Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, “Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nokuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.”