Nehemiah 6:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndikati: Munhu wakaita seni uŋgatiza here? Ndianiko wakaita seni uŋgapinda mutembere, kuti aɀiraramise? Handiŋgapindi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini ndakati, “Murume akaita seni kudai, kutiza here chaizvo? Pangu pano ndingapindewo muTemberi nhai ndikatorarama? Handipindemo ini.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndakati, “Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.”
Shona 2009?
Ini ndakati, "Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi."
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndakati, “Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.”