Nehemiah 6:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye, namazuʋa iwayo ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakatuma ʋo ŋwadi zhinji kunaTobia, ʋuye ŋwadi dzaTobia dzakaȿika ʋo kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva iwayo pakavawo nokunyorerana matsamba mazhinji. Vekumba huru kwaJudha vakanyorera Tobhiya, iye Tobhiya achivanyorerawo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo n’wadhi zhinji kuna Tobhia, uye n’wadhi dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.
Shona 2009?
Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo mwadhi zhinji kuna Tobhia, uye mwadhi dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo tsamba zhinji kuna Tobhia, uye tsamba dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.