Nehemiah 6:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
imomo makaŋga makanyorwa, muciti: Ɀinonzi pakati pendudzi, naGashmu unoɗaro ʋo, kuti iwe naʋaJuda munoɗa kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unoʋaka ruȿiŋgo urwo, newe unoɗa kuʋa mambo waʋo, ndiwo mashoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mairi makanga makanyorwa kunzi “Pane runyerekupe ruri kufamba muvanhu kana Geshemu ari kuzvitaurawo kuti iwe nevaJudha munoda kupanduka, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Zvinonzi norunyerekupe irworwo, iwe unoda kuva mambo wavo. Uyewo wakatosarudza vaporofita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
imomo makanga makanyorwa, muchiti, “Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.
Shona 2009?
imomo makanga makanyorwa, muchiti, "Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
imomo makanga makanyorwa, muchiti, “Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.