Nehemiah 7:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikati kwaʋari: Masuʋo eJerusarema ŋgaarege kuzarurwa kuȿikira zuʋa rapisa; ɀino ʋarindi ʋacimire’po, ŋgaʋapfige mikoʋa, imi mugoikiya; munofanira kugadza ʋo ʋarindi pakati paʋagere Jerusarema, mumŋe nomumŋe paanofanira kurindira, mumŋe nomumŋe pakatarisana neimba yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuwo vanenge vachiri pabasa, vaitei kuti vapfige makonhi vaise mazariro. Uyezve mugadze vagari vomuJerusarema savarindi; vamwe panzvimbo dzavo dzokurinda, vamwe pedyo nedzimba dzavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikati kwavari, “Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.”
Shona 2009?
Ndikati kwavari, "Masuo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imwi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake."
Shona SUB 2002 Bible
Ndikati kwavari, “Masuwo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.”