Nehemiah 7:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mŋari waŋgu wakaisa mufuŋgo pamŋoyo paŋgu kuti ndikokere ʋakuru naʋatariri, naʋanhu, kuti ʋaʋereŋgwe namazita aʋo. Ndikawana buku yamazita aʋakataŋga kuȿika, ndikawana makanyorwa kuɗai:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi:
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamwoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:
Shona 2009?
Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamwoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai.