Nehemiah 7:63 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakati paʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaHobaya, naʋana ʋaHakozi, naʋana ʋaBarzirai, wakaŋga awana mukadzi waʋakunda ʋaBarzirai muGireadi, akazotumidzwa zita rokwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhoa, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakati pavapristi vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGireadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
Shona 2009?
Pakati pavaprista vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Pakati pavapristi vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.