Nehemiah 7:65 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muɓati akaʋaʋudza kuti ʋarege kudya ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, kuȿikira kwamuka muprista uneUrimi neTumimi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi.
Shona 2009?
ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka muprista ane Urimi neTumimi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene–tsvene, kusvikira kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi.