Nehemiah 7:70 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakapa ɀipo kuzoɓate‐ɓasa. Muɓati wakapa ciʋigiro cefuma madariki endarama anecuru cimŋe, nembiya dzinamakumi mashanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamazana mashanu namakumi matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiurua muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chepfuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguo dzavapristi dzina mazana mashanu namakumi matatu.
Shona 2009?
Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavaprista dzina mazana mashanu namakumi matatu.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chepfuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguo dzavapristi dzina mazana mashanu namakumi matatu.