Nehemiah 7:71 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋakuru ʋo ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋakapa muciʋigiro cefuma yokuɓate‐ɓasa nayo, madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri namazana maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakemab egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviric.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chepfuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.
Shona 2009?
Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chepfuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.