Nehemiah 7:72 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋanhu ʋakapa madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamakumi matanhatu nenomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamaminad esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguo dzavapristi dzina makumi matanhatu nenomwe.
Shona 2009?
Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavaprista dzina makumi matanhatu nenomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguo dzavapristi dzina makumi matanhatu nenomwe.