Nehemiah 7:73 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋamŋe ʋanhu, naʋaNetinimi, naʋaIsraeri ʋose ʋakagara pamaguta aʋo. Mŋedzi wecinomŋe wakati uciȿika, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere pamaguta aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo. Mwedzi wechinomwe wakati uchisvika, vana vaIsiraeri vakanga vagere pamaguta avo.
Shona 2009?
Zvino vaprista, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, naVaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo. Mwedzi wechinomwe wakati uchisvika, vana VaIsiraeri vakanga vagere pamaguta avo.