Nehemiah 8:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakaenda kundodya nokunwa, nokutumira ʋamŋe migoʋe, nokufara kwaɀo; nokuti ʋakaŋga ʋanzwisisa mashoko aʋakaparidzirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vakazoenda zvavo kundodya nokunwa nokutumirana zvipo vachipembera kwazvo nokufara pamusana pokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakanga vaudzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.
Shona 2009?
Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokumwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.