Nehemiah 8:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pazuʋa recipiri ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋanhu ʋose, naʋaprista, naʋaRevi, ʋakaʋuŋganira kunaEzra munyori, kuzoterera mashoko omurairo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechipiri racho, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba evanhu vose ivavo pamwechete navapristi nevaRevhi vakaunganidzana kuna Ezira nyanzvi yomutemo kuzodzidza zvinorehwa nomutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapristi, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoterera mashoko omurayiro.
Shona 2009?
Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navaprista, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapristi, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoterera mashoko omurairo.