Nehemiah 8:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɓuɗa, ʋakaʋuya nawo, ʋakaɀiitira matumba, mumŋe nomumŋe pamsoro peɗeŋga reimba yake, napaʋazhe dzaʋo, napaʋazhe dzeimba yaMŋari, napaɗare resuʋo remvura, napaɗare resuʋo raEfraimi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo vanhu vakabuda vakandouya nawo, munhu woga woga akazvigadzirira dumba vamwe pamatenga emba dzavo nomunhandare yokusuo guru rokuMvura nomunhandarewo yokuSuo Guru rokwaEfuremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuo remvura, napadare resuo raEfuremu.
Shona 2009?
Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuo remvura, napadare resuo raEfuremu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuwo remvura, napadare resuwo raEfuremu.