Nehemiah 8:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ezra munyori akamira pakakwirira pakaŋga pakaʋakirwa iɀoɀo namatanda; ʋuye Matitia, naShema, naAnaya, naUria, naHirkiya naMaaseya ʋakamira kurutiʋi rwake rworudyi, naPedaya, naMishaeri, naMarkiya, naHashumi, naHashbadana, naZekaria, naMeshurami ʋakamira kuruɓoshwe rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Mirikia, Hashumi, Hashibhadhana, Zekana naMeshurami.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ezira nyanzvi yomutemo akamira padara rakanga ravakirwa izvozvi izvi. Vakanga vamire naye kurudyi ndaava vanoti: Matatiya naShema naAnaya naUriya naHirikiya naMaaseya; kuruboshwe: ndiPedhaya naMishaeri naMarikiya naHashumu naHashibhadhana naZekariya naMeshuramu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.
Shona 2009?
Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikiya naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.