Nehemiah 8:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ezra akaʋoŋga Jehova, Mŋari mukuru. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋaciti: Ameni, Ameni, ʋacisimudza maʋoko aʋo; ipapo ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi akanamata Jehovha uso hwavo hwakatsikitsira pasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
Shona 2009?
Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, "Ameni, Ameni," vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.