Nehemiah 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pazuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi uyu ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakafuka magumbu, ʋanevu pamisoro yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti wava musi wechimakumi maviri nechina womwedzi iwoyu, vaIsiraeri vakaungana kuzotsanya vakapfeka masaga vakazvidira ivhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana vaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvokudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo.
Shona 2009?
Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana vaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvekudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana VaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvokudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo.