Nehemiah 9:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaramba kuterera, kana kuraŋgarira ɀinoshamisa ɀenyu ɀamakaita pakati paʋo; asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakamukira Mŋari, ʋakaɀisharira mukuru kuti ʋadzokere kuʋuranda bgaʋo; asi imi muri Mŋari unokaŋganwira ʋanhu, unenyasha, neŋgoni zhinji, unononoka kutsamŋa, nounetsitsi huru; hamuna‐kuʋasiya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaramba kuteerera uye vakasarangarira zvishamiso zvamakaita pakati pavo. Vakava nemitsipa mikukutu uye pakumukira kwavo vakagadza mutungamiri kuti vadzokere kuutapwa hwavo. Asi imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Naizvozvo hamuna kuvasiya,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu, zvishamiso zviya zvamakavaitira. Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda. Asi imi muri Mwari anoregerera, Mwari ane nyasha netsitsi Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru Hamuna kuda kuvafuratira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.
Shona 2009?
"Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imwi muri Mwari unokangamwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.
Shona SUB 2002 Bible
“Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.