Nehemiah 9:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kunyaŋge ɀakaɗaro, hamunakuʋarasha murenje, nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji; shoŋgwe yegore hainakubva pamsoro paʋo masikati, icirega kuʋafambisa panzira, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku, icirega kuʋavenekera nokuʋaratidza nzira yaʋaifanira kufamba nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nokuda kwengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya mugwenga. Shongwe yegore haina kurega kuvatungamirira masikati panzira yavo, shongwe yomoto haina kurega kuvavhenekera usiku panzira yavaifanira kufamba nayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda hamuna kuvafuratira murenje. Shongwe yegore yaivatungamirira masikati haina kuvasiya Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi nzira yavaifanira kufamba nayo usiku haina kuvasiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo.
Shona 2009?
kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo.
Shona SUB 2002 Bible
kunyangwe zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo.