Nehemiah 9:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makaʋapa ʋo ʋushe naʋanhu, mukaʋaganhurira nyika yaʋo; naiɀoɀo ʋakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshboni, nenyika yaOgi mambo weBashani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makavapa ushe namarudzi, mukavapa nyika yose kusvika kumagumo ayo. Vakatora nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyika yaOgi mambo weBhashani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Makavapa ndudzi dzavanhu nenyika dzokutonga mukavagovanisa nyika, mativi ose, nezvo vakatora kuita yavo nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyikawo yaOgi mambo weBhashani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.
Shona 2009?
Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.
Shona SUB 2002 Bible
Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.