Nehemiah 9:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋana ʋakapinda panyika ʋakaiita yaʋo; imi mukaʋakundira ʋanhu ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, iʋo ʋaKanani; mukaʋaisa mumaʋoko aʋo, pamŋe cete namadzimambo aʋo naʋanhu ʋenyika iyo kuti ʋaite naʋo seɀaʋakaŋga ʋaciɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; mukapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saizvozvo vana vavo vakapinda munyika iyoyi vakaiita yavo. Makavaisira pasi pavo vagari venyika iyi vechiKanani mukavaisa mumaoko avo pamwechete namadzimambo avo navanhu vechirudzi vomunyika imomo kuti vaite zvavanoda navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKanani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida.
Shona 2009?
"Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imwi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKanani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKenani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida.