Nehemiah 9:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakakunda maguta akakombga, nenyika inefuma, ʋakatora dzimba dzakaŋga dzizere neɀose ɀakanaka, ɀaiti: Matsime akacerwa, neminda yemizambiriŋga neminda yemiorivi, nemiti yakawanda inoɓereka micero; naiɀoɀo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ʋakaɀifarira nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapamba maguta akakombwa nenyika ine ivhu rakanaka, vakatora dzimba dzakanga dzakazara nemhando dzose dzezvinhu zvakanaka, matsime akacherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda. Vakadya vakaguta vakava vakagwinya kwazvo; vakafara muukuru hwokunaka kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakakurira maguta etsvingo nenyika yakapfuma. Vakatora kuita zvavo dzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka namatsime akaitwa zvokuchenwa padombo neminda yamagirepisi nemindawo yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda kuita machiri. Zvokudya vakadya, zvakawanda chaizvo vakanyatsoguta zvokuita miviri chaiyo Vakaita mutambaratede vagere zvavo mune zvakanaka kwazvo zvamunovapa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine pfuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti: matsime akacherwa, neminda yemidzambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kwounyoro hwenyu ukuru.
Shona 2009?
Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine fuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti; matsime akacherwa, neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kounyoro bwenyu ukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine pfuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti: matsime akacherwa, neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kwounyoro hwenyu ukuru.