Nehemiah 9:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋakati ʋazorodzwa, ʋakaita ɀakaipa ɀe pamberi penyu; saka makaʋaregera ɀe mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, iʋo ʋakaʋaɓata nesimba; kunyaŋge ɀakaɗaro pakudzoka kwaʋo, nokucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa kuɗeŋga, mukaʋarwira kazhinji netsitsi dzenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vave nesimba pamusoro pavo. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vaiti vakange vava murugare vodzokerazve mukukutadzirai. Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo kuti vagovatonga. Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri mainzwa kudenga ikoko. Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu;
Shona 2009?
Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu;
Shona SUB 2002 Bible
Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyangwe zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu;