Nehemiah 9:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukaʋapupurira, kuti muʋadzosere ɀe kumurau wenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaita manyawi, ʋakasaterera mirairo yenyu, asi ʋakatadzira ɀamakaŋga matoŋga, (iɀo ɀinoti kana munhu aciɀiita, ucararama naɀo,) ʋakabvisa fudzi raʋo, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakaramba kunzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvamakatonga, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makayambira kuitira kuti vadzokere kumutemo wenyu; ivo ndopavakazvitutumadza zvavo vakarega kuteerera mirao yenyu vakatoita zvitadzo zvokukanganisa zvirevo zvenyu zvokuti anenge achizvichengeta anorarama; vakava tsvuuramuromo kutogwikura mapendekete kuramba. Vakaomesa musoro vachiramba kuteerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyange zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa.
Shona 2009?
mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyange zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa.
Shona SUB 2002 Bible
mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyangwe zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa.