Nehemiah 9:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakasimuka paʋakaŋga ʋagere, ʋakaraʋa mubuku yomurairo waJehova Mŋari waʋo mugoʋe wecinna wezuʋa; mumŋe mugoʋe wecinna ʋakaɀireʋurura nokunamata kunaJehova Mŋari waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe chete muzvina chezuva, ndokupedzazve chimwe chikamu chimwe chete muzvina chezuva, vachireurura nokunamata Jehovha Mwari wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamira munzvimbo dzavo vakaverenga muBhuku roMutemo waTenzi, Mwari wavo kwamaawa matatu pazuva. Kwamamwe maawa matatu acho vakareurura vakapfugamira Tenzi, Mwari wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava mabhuku yomurayiro waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo.
Shona 2009?
Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava mubhuku yomurayiro waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava muBhuku roMurairo waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo.