Nehemiah 9:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro makaʋa netsitsi naʋo makore mazhinji, mukaʋapupurira nomŋeya wenyu naʋaprofita ʋenyu; asi ʋakaramba kuterera; saka makaʋaisa mumaʋoko aʋanhu ʋenyika iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makava nomwoyo murefu navo kwamakore mazhinji. Makavayambira noMweya wenyu kubudikidza navaprofita venyu. Kunyange zvakadaro havana kuita hanya, saka makavapa kuvanhu vavakavakidzana navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwemakore mazhinji maingovaitira mwoyo murefu muchingovayambira noMweya wenyu nomuromo wevaporofita venyu asi hazvina kumbovapinda munzeve. Naizvozvo imi makavaisa mumaoko emarudzi edzinyika idzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kunyange zvakadaro makava netsitsi navo makore mazhinji, mukavapupurira nomweya wenyu navaporofita venyu; asi vakaramba kuteerera; saka makavaisa mumaoko avanhu venyika iyo.
Shona 2009?
"Kunyange zvakadaro makava netsitsi navo makore mazhinji, mukavapupurira nomweya wenyu navaporofita venyu; asi vakaramba kuteerera; saka makavaisa mumaoko avanhu venyika iyo.
Shona SUB 2002 Bible
“Kunyangwe zvakadaro makava netsitsi navo makore mazhinji, mukavapupurira nomweya wenyu navaporofita venyu; asi vakaramba kuteerera; saka makavaisa mumaoko avanhu venyika iyo.