Nehemiah 9:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, Mŋari weɗu, Mŋari mukuru, unesimba, unotyisa, unoceŋgeta suŋgano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, naʋaprofita ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, naʋanhu ʋenyu ʋose kubva pamazuʋa amadzimambo eAsiria kuȿikira nhasi, ŋgakurege kuita secinhu ciɗuku pamberi penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvino, Mwari wedu, mukuru, ane simba, uye Mwari anotyisa, anochengeta sungano yake yorudo, matambudziko aya ose ngaarege kuva madiki pamberi penyu, matambudziko akauya pamusoro pedu, napamusoro pamadzimambo edu navatungamiri, napamusoro pavaprista vedu navaprofita, pamusoro pamadzibaba edu navanhu vose, kubva pamazuva amadzimambo avaAsiria kusvikira nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka zvino Mwari wedu, iyemi mukuru Samasimbaose, Mwari anotyisa anochengeta chitenderano, Samwoyochena; musaone sechinhu chiduku nhamo dzakawira isu namadzimambo edu navatungamiri vedu navapristi vedu navaporofita vedu namadzibaba edu navanhu venyu vose kubvira panguva yamadzimambo eAsiria kusvikira pari nhasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navapristi vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi, ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu.
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navaprista vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi,. ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, anotyisa, anochengeta sungano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo edu, namachinda edu, navapristi vedu, navaporofita vedu, namadzibaba edu, navanhu venyu vose kubva pamazuva amadzimambo eAsiria kusvikira nhasi, ngakurege kuita sechinhu chiduku pamberi penyu.