Nehemiah 9:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi makaita henyu ɀakarurama paɀose ɀakatiwira, nokuti makaita neɀokwaɗi, asi isu takaita ɀakashata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pane zvakaitika kwatiri, imi makanga makarurama; makanga makatendeka, asi isu takaita zvakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro zvazvo, makangoramba muri mururami pane zvose zvakadai kutiwira pamusana pokuti imi makaita zviri pachokwadi asi isu takaita zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nezvokwadi, asi isu takaita zvakashata.
Shona 2009?
Asi imwi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nechokwadi, asi isu takaita zvakashata.
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi makaita henyu zvakarurama pazvose zvakatiwira, nokuti makaita nezvokwadi, asi isu takaita zvakashata.