Nehemiah 9:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti haʋana‐kukushumirai paʋushe bgaʋo, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru bgamakaʋaitira, napanyika huru inefuma yamakaʋapa; haʋana‐kurega maɓasa aʋo akaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange pavainge vari muumambo hwavo havana kukushandirai, vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa, muzidhandanda renyika yakapfuma yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa; asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine pfuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa.
Shona 2009?
Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kounyoro bwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine fuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti havana kukushumirai paushe hwavo, uye nokuda kwounyoro hwenyu hukuru hwamakavaitira, napanyika huru ine pfuma yamakavapa; havana kurega mabasa avo akaipa.