Nehemiah 9:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀiɓereko ɀizhinji inoɀiɓerekera madzimambo amakaisa pamsoro peɗu, nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu; iʋo ʋanesimba ʋo pamiʋiri yeɗu, napaŋombe dzeɗu, seɀaʋanoɗa; tiri pakumanikidzwa kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwezvivi zvedu zvibereko zvayo zvizhinji zvava kuenda kumadzimambo amakaisa pamusoro pedu. Vane simba pamusoro pemiviri yedu uye vanoita zvavanoda nemombe dzedu. Tiri pakutambudzika kukuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakawanda kwazvo zvainobereka zvinoenda zvazvo kumadzimambo amakatiisira kuti atitonge pamusana pezvitadzo zvedu. Vanotovawo nesimba rokutonga iyesu vanhu pamwechete nezvipfuwo zvedu sepamadiro avo zvavo. Tayaura isu nenhamo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.
Shona 2009?
Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Zvibereko zvizhinji inozviberekera madzimambo amakaisa pamusoro pedu, nokuda kwezvivi zvedu; ivo vane simbawo pamiviri yedu, napamombe dzedu, sezvavanoda; tiri pakumanikidzwa kukuru.