Nehemiah 9:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndimi Jehova, imi moga; imi makaita ɗeŋga, nokuɗeŋgaɗeŋga, nehondo dzaro dzose, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, namakuŋgwa neɀose ɀiri mukati mawo; imi munoceŋgeta ɀose; hondo dzokuɗeŋga dzinonamata kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri mairi. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zvokudenga zvinokunamatai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.
Shona 2009?
"Ndimi Jehovha, imwi moga; imwi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imwi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga–denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri.