Numbers 1:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakakoka ʋuŋgano yose nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecipiri, iʋo ʋakaʋarondedzera marudzi aʋo, mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋose ʋakaŋga ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, mumŋe nomumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vakaunganidza ungano yose pamwe chete nezuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakandokokorodza vaIsiraeri vose pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, ndokunyora vanhu mumadzinza avo nomumhuri dzavo. Vakanyora mazita vachiverenga mumwe nomumwe varume vose vaiva namakore makumi maviri navaiva namakore anopfuura iwayo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.
Shona 2009?
vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.
Shona SUB 2002 Bible
vakakoka VaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.