Numbers 1:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋokuʋana ʋaSimeoni, namarudzi aʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋakaʋereŋgwa kwaʋari namazita aʋo, ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzinza raSimeoni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vokuvana vaSimeoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
Shona 2009?
Vokuvana vaSimiyoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
Shona SUB 2002 Bible
Vokuvana vaSimeoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,