Numbers 1:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋokuʋana ʋaIsakari, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzinza raIsakari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
Shona 2009?
Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
Shona SUB 2002 Bible
Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,