Numbers 1:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana tabernakeri icipfuʋura mberi, ʋaRevi ndiʋo ʋanofanira kuibvisa; ʋuye kana tabernakeri icidzikwa ɀe, ʋaRevi ndiʋo ʋanofanira kuiʋaka; munhu usina‐kufanira unosweɗera’ko, unofanira kuʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamunenge motamisa tendhe rinoera, vaRevhi ngavaripete vachindoridzikazve kwamuchazombogara. Mumwe munhuwo zvake asiri muRevhi anenge asvika padyo naro ngaaurayiwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.
Shona 2009?
Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurayiwa.