Numbers 10:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uɀiitire hwamanda mbiri dzesirveri; unofanira kudziita nesirveri yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukuɓatsira kuɗana ʋuŋgano nokuraira kuti mapoka afambe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pfurai mabhosvo esirivha maviri anoridzirwa vaIsiraeri kuti vaungane uyewo panguva yokuti vachitama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.
Shona 2009?
"Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.
Shona SUB 2002 Bible
“Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.