Numbers 10:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kunaHobabi, mŋanakomana waReueri, muMidiani, mukarabga waMosesi: Toenda kunɀimbo iyo yakanzi naJehova, ndicakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai ɀakanaka, nokuti Jehova wakataura ɀakanaka pamsoro paʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataura naHobhabhi mwanakomana waReueri, vatezvara vake vorudzi rwavaMidhiani achiti, “Zvino tava kuzopinda murwendo rwokuenda kunyika yatakanzi naTenzi tichazopiwa. Mwari akatsidzira vaIsiraeri kuti vachabudirira. Saka handei tose. Tichazokupaiwo pfuma yatichawana taveko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMosesi, “Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri.”
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi, "Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMosesi, “Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro paVaIsiraeri.”