Numbers 11:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋakaita saʋanyunyuti, ʋakataura ɀakaipa munzeʋe dzaJehova; ipapo Jehova wakati aɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, mŋoto waJehova ukapfuta pakati paʋo, ukaparadza kumudziʋo wemisasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa.
Shona 2009?
Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa.