Numbers 11:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe uti kuʋanhu: Ɀinatsirei maŋgwana, nokuti mucadyenyama; nokuti makacema munzeʋe dzaJehova, muciti: Ndianiko ucatipe‐nyama, tidye? Nokuti takaŋga ticifara heɗu Egipita. Naiɀoɀo Jehova ucakupai nyama, mudye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino chiudza vanhu uchiti, ‘Zvichenurei nokuti mangwana muchapiwa nyama yokudya. Tenzi akazvinzwira kunyunyuta kwenyu, muchiti ndiani angatipewo zvedu nyama yokudya muchiti taiva nani zvedu kuIjipiti.’ Zvino Tenzi achakupai nyama kuti mudye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe uti kuvanhu, ‘Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha,’ muchiti, ‘Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti.’ Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye.
Shona 2009?
Zvino iwe uti kuvanhu, `Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha,' muchiti, `Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti.' Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe uti kuvanhu, ‘Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha,’ muchiti, ‘Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti.’ Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye.